Isaiah 35

Mufaro waVakadzikinurwa

1Gwenga nenyika yakaoma zvichafara;
sango richafara kwazvo uye richatumbuka;
seruva,
2richatumbuka;
richafara zvikuru uye richapembera nomufaro.
Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri,
kunaka kweKarimeri neSharoni;
vachaona kubwinya kwaJehovha,
nokunaka kwaMwari wedu.
3Simbisai maoko asina simba,
tsigirai mabvi anodedera;
4muti kuna avo vane mwoyo inotya,
“Simbai, musatya;
Mwari wenyu achauya,
achauya nokutsiva,
nokuripira kutsvene
achauya kuzokuponesai.”

5Ipapo meso amapofu achasvinudzwa
uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.
6Ipapo akaremara achakwakuka senondo,
uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro.
Mvura ichatubuka murenje,
uye nehova dzemvura mugwenga.
7Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva,
ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura.
Maigara makava noumo maaimbovata,
muchamera uswa, netsanga nenhokwe.

8Ipapo pachava nomugwagwa;
uchanzi Nzira yoUtsvene.
Vane tsvina havangazofambi mairi;
ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo;
vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.
9Hapangavi neshumba ipapo,
kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo.
Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,
10uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.
Vachapinda muZioni vachiimba;
mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo.
Vachawana mufaro nokufarisisa,
kusuwa nokuneta zvichatiza.
Copyright information for SnaBDSC